18 Izvi ndizvo zvandakaona kuti zvakanaka uye zvakakodzera: kuti munhu anofanira kudya nekunwa uye kufadzwa nekushanda nesimba pabasa rake rakaoma+ raanoita pasi pezuva, pamazuva mashoma eupenyu aakapiwa naMwari wechokwadi, nekuti iwoyo ndiwo mubayiro wake.+