33 Nekutenda, vakakunda madzimambo,+ vakaita kuti pave nekururama, vakawana vimbiso,+ vakavhara miromo yeshumba,+ 34 vakashayisa moto simba,+ vakapukunyuka bakatwa,+ vakanga vasina simba vakapiwa simba,+ vakava nesimba guru muhondo,+ vakarakasha mauto aiuya kuzovarwisa.+