-
Mateu 12:15-18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Aziva izvi, Jesu akabva ipapo. Vazhinji vakamuteverawo,+ uye akavarapa vese, 16 asi akavaudza kuti vasatomboita kuti azivikanwe,+ 17 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya, uyo akati:
18 “Onai! Mushumiri wangu+ wandakasarudza, wandinoda, wandakafarira!*+ Ndichaisa mweya wangu paari,+ uye achabudisa pachena kumarudzi kuti kutonga zvakarurama kuita sei.
-