Dheuteronomi 28:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+ Dheuteronomi 28:33 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 33 Zvibereko zvenyika yako nezvese zvauchakohwa zvichadyiwa nevamwe vanhu vausina kumbobvira waziva,+ uye uchagara uchibiridzirwa uye uchidzvinyirirwa. Jeremiya 50:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 “Vanhu veIsraeri makwai akapararira.+ Shumba ndidzo dzakavaparadzira.+ Vakatanga kuparadzwa namambo weAsiriya;+ kukazouya Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi uyo akan’en’ena mapfupa avo.+
15 “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+
33 Zvibereko zvenyika yako nezvese zvauchakohwa zvichadyiwa nevamwe vanhu vausina kumbobvira waziva,+ uye uchagara uchibiridzirwa uye uchidzvinyirirwa.
17 “Vanhu veIsraeri makwai akapararira.+ Shumba ndidzo dzakavaparadzira.+ Vakatanga kuparadzwa namambo weAsiriya;+ kukazouya Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi uyo akan’en’ena mapfupa avo.+