-
Nehemiya 9:34, 35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
34 Kana ari madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu, nemadzitateguru edu, havana kuchengeta Mutemo wenyu, kana kuteerera mirayiro yenyu kana zviyeuchidzo zvenyu zvamakavayambira nazvo. 35 Kunyange pavaiva muumambo hwavo vachifara chaizvo nezvinhu zvakanaka zvamakavapa, munyika yakafara yakaorera yamakavapa, havana kukushumirai+ uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa.
-
-
Dhanieri 9:8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 “Jehovha, tiri kunyara nekuti takakutadzirai, isu nemadzimambo edu, nemachinda edu, nemadzitateguru edu.
-