-
Dheuteronomi 15:7, 8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 “Kana imwe yehama dzako ikava murombo pakati pako mune rimwe remaguta ako, munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, usaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko rwako kuhama yako murombo.+ 8 Nekuti unofanira kupfumbanura ruoko rwako uchimupa+ uye unofanira kumukweretesawo zvese zvaanoda kana kuti zvaanoshayiwa.
-