35 Zvanzi naJehovha,
Uyo anopa zuva kuti pave nechiedza masikati,
Nemitemo yemwedzi nenyeredzi kuti pave nechiedza usiku,
Iye anobvongodza gungwa, oita kuti mafungu aro asagadzikana,
Iye ane zita rekuti Jehovha wemauto:+
36 “‘Kudai zvaizoitika kuti mirau iyi yakundikana,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Vana vaIsraeri vaizogumawo kuva rudzi pamberi pangu.’”+