-
2 Madzimambo 17:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Jehovha akaramba achinyevera Israeri naJudha achishandisa vaprofita vake vese nevaoni vese,+ achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa!+ Chengetai mirayiro yangu nemirau yangu, muchitevedzera zvese zviri mumutemo wandakarayira madzitateguru enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa varanda vangu vaprofita.” 14 Asi havana kuteerera, uye vakaramba vachiomesa misoro* yavo semadzitateguru avo, ayo asina kutenda muna Jehovha Mwari wawo.+
-