-
2 Madzimambo 19:5-7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Saka varanda vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya,+ 6 uye Isaya akati kwavari: “Muti kunashe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha: “Usatya+ mashoko awanzwa, mashoko ekundimhura ataurwa nevashandi vamambo weAsiriya.+ 7 Pane pfungwa yandiri kuisa mumusoro make,* uye pane shoko raachanzwa odzokera kunyika yake; uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa munyika yake.”’”+
-