RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 28:52
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 52 Vachakukomba, vokuvharira mumaguta* ako ese ari munyika yako kusvikira masvingo ako marefu uye akasimba aunenge uchivimba nawo akoromoka. Vachakukomba uri mukati memaguta ako ese ari munyika yako yese yawakapiwa naJehovha Mwari wako.+

  • 2 Madzimambo 25:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Mugore rechi9 rekutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya neuto rake rese kuzorwisa Jerusarema.+ Akadzika musasa kuti arirwise, akavaka rusvingo rwairipoteredza rwekurikomba,+

  • Jeremiya 33:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 “Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino uye dzimba dzemadzimambo eJudha dzakaputswa nemhaka yemirwi yakagadzirirwa kukomba guta uye nemhaka yebakatwa,+

  • Ezekieri 4:1, 2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora chidhinha uchiise pamberi pako. Temerera pachiri mufananidzo weguta, iro Jerusarema. 2 Rikombe,+ vaka rusvingo rwekurirwisa,+ riunganidzire murwi wekurikomba,+ dzika misasa yekurirwisa uye ripoteredze nezvekugumurisa masvingo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe