4 Maguta eHeshbhoni neEreyare+ anoshevedzera;
Inzwi rawo rinonzwika kusvikira kuJahazi.+
Ndokusaka varume veMoabhi vane zvombo vachiramba vachishevedzera.
Iye ari kudedera.
5 Mwoyo wangu unoshevedzera pamusoro peMoabhi.
Vanhu vayo vari kutiza vasvika kuZoari+ neEgrati-sherishiya.+
Vanochema sezvavanokwidza pamukwidza weRuhiti;
Vanochema nezvenjodzi yacho sezvavanoenda kuHoronaimu.+
6 Nekuti mvura yeNimurimu yaoma;
Uswa hwaoma,
Uswa hwapera uye hapasisina chakasvibirira.