-
2 Makoronike 36:15, 16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivayambira achishandisa nhume dzake, achivayambira avayambirazve, nekuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yekugara. 16 Asi vakaramba vachiseka nhume dzaMwari wechokwadi,+ uye vakazvidza mashoko ake,+ vakanyomba vaprofita vake,+ kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake zvikuru,+ kusvikira vasisabatsiriki.*
-
-
Jeremiya 25:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 “Kubvira mugore rechi13 raJosiya+ mwanakomana waAmone, mambo weJudha, kusvikira nhasi, makore 23 aya, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ndakaramba ndichitaura ndataurazve nemi,* asi hamuna kuteerera.+ 4 Uye Jehovha akakutumirai vashumiri vake vese vaprofita, achivatuma avatumazve,* asi hamuna kuteerera, uyewo hamuna kurereka nzeve dzenyu kuti munzwe.+
-