Mariro 1:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Jerusarema ratadza zvikuru.+ Ndokusaka rava chinhu chinosemesa. Vese vaimborikudza vava kungoritora sechinhu chinosemesa, nekuti vaona kusapfeka kwaro.+ Irowo rinogomera+ uye rinotendeuka richinyara. Ezekieri 16:37 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 37 ndichaunganidza vaya vese vanokuda, vawakafadza, vaya vese vawaida pamwe chete nevaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kuti vakurwise vachibva kwese kwese, ndoita kuti vakuone usina kupfeka, vokuona wakashama.+ Ezekieri 23:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Vachakuratidza ruvengo uye vachatora zvinhu zvako zvese zvawakabudira ziya,+ vokusiya usina kupfeka. Unzenza hunonyadzisa hwawaiita usina kupfeka, nemabasa ako akafumuka nechipfambi chako zvichafumurwa.+
8 Jerusarema ratadza zvikuru.+ Ndokusaka rava chinhu chinosemesa. Vese vaimborikudza vava kungoritora sechinhu chinosemesa, nekuti vaona kusapfeka kwaro.+ Irowo rinogomera+ uye rinotendeuka richinyara.
37 ndichaunganidza vaya vese vanokuda, vawakafadza, vaya vese vawaida pamwe chete nevaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kuti vakurwise vachibva kwese kwese, ndoita kuti vakuone usina kupfeka, vokuona wakashama.+
29 Vachakuratidza ruvengo uye vachatora zvinhu zvako zvese zvawakabudira ziya,+ vokusiya usina kupfeka. Unzenza hunonyadzisa hwawaiita usina kupfeka, nemabasa ako akafumuka nechipfambi chako zvichafumurwa.+