-
Ezekieri 3:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, idya zviri pamberi pako. Idya gwaro* iri woenda kunotaura neimba yaIsraeri.”+
2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akaita kuti ndidye gwaro racho. 3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, idya gwaro iri randiri kukupa uzadze dumbu rako naro.” Saka ndakatanga kuridya, uye raitapira seuchi.+
-
-
Zvakazarurwa 10:9, 10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Ndakaenda kungirozi yacho ndikaiudza kuti indipe gwaro racho diki. Yakabva yati kwandiri: “Ritore uridye rese,+ uye richaita kuti mudumbu mako muvave, asi richatapira seuchi mukanwa mako.” 10 Ndakatora gwaro racho diki muruoko rwengirozi, ndikaridya,+ uye raitapira seuchi mukanwa mangu,+ asi pandakanga ndaridya, mudumbu mangu makavava.
-