Jeremiya 14:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+ Jeremiya 23:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Handina kutuma vaprofita vacho, asi ivo vakamhanya. Handina kutaura navo, asi ivo vakaprofita.+ Jeremiya 28:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Muprofita Jeremiya akabva ati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+ Jeremiya 29:8, 9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Musanyengerwa nevaprofita venyu nevanhu venyu vanofembera,+ uye musateerera hope dzavari kurota. 9 Nekuti ‘vari kukuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”’” Ezekieri 13:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 “Vakaona zviratidzo zvenhema uye vakaprofita zvenhema, ivo vaya vari kuti, ‘Zvanzi naJehovha,’ asi ivo vasina kutumwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, vanototarisira kuti shoko ravo richazadziswa.+
14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+
15 Muprofita Jeremiya akabva ati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+
8 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Musanyengerwa nevaprofita venyu nevanhu venyu vanofembera,+ uye musateerera hope dzavari kurota. 9 Nekuti ‘vari kukuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”’”
6 “Vakaona zviratidzo zvenhema uye vakaprofita zvenhema, ivo vaya vari kuti, ‘Zvanzi naJehovha,’ asi ivo vasina kutumwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, vanototarisira kuti shoko ravo richazadziswa.+