Jeremiya 14:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+ Jeremiya 29:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Musanyengerwa nevaprofita venyu nevanhu venyu vanofembera,+ uye musateerera hope dzavari kurota. Mariro 2:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Zviratidzo zvakaonekwa nevaprofita vako zvaiva zvenhema uye zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+Uye havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti urege kutapwa,+Asi vakaramba vachiona zviratidzo zvenhema uye zvinotsausa vachikuudza.+
14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+
8 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Musanyengerwa nevaprofita venyu nevanhu venyu vanofembera,+ uye musateerera hope dzavari kurota.
14 Zviratidzo zvakaonekwa nevaprofita vako zvaiva zvenhema uye zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+Uye havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti urege kutapwa,+Asi vakaramba vachiona zviratidzo zvenhema uye zvinotsausa vachikuudza.+