-
Jeremiya 23:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+ 6 Pamazuva ake Judha achaponeswa,+ uye Israeri achagara akachengeteka.+ Achashevedzwa nezita rekuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.”+
-
-
Ezekieri 28:25, 26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Pandichadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kumarudzi avakanga vaendeswa,+ ndichatsveneswa pakati pavo marudzi acho achiona.+ Vachagara munyika yavo+ yandakapa mushumiri wangu Jakobho.+ 26 Vachagara mairi vasina chekutya,+ vovaka dzimba nekudyara minda yemizambiringa.+ Vachagara vasina chekutya pandichaita zvandakatongera vaya vese vakavapoteredza vari kuvazvidza;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”’”
-