-
2 Madzimambo 19:17-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza marudzi nenyika dzawo.+ 18 Uye akakanda vanamwari vawo mumoto, nekuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko emunhu,+ danda nedombo. Ndokusaka akakwanisa kuvaparadza. 19 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, tapota, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwese hwepanyika huzive kuti imi mega ndimi Mwari, haiwa Jehovha.”+
-