RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 34:6-8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  6 Jehovha ane bakatwa uye richazara neropa.

      Richazara nemafuta,+

      Neropa remakondohwe madiki nembudzi,

      Nemafuta eitsvo dzemakondohwe.

      Nekuti Jehovha ane chibayiro kuBhozra,

      Mhuka dzakawanda dzichaurayiwa munyika yeEdhomu.+

       7 Nzombe dzemusango dzichadzikawo pamwe chete nadzo,

      Nzombe diki pamwe chete nedzine simba.

      Nyika yavo ichaguta neropa,

      Uye guruva ravo richazara nemafuta.”

       8 Nekuti Jehovha ane zuva rekutsiva,+

      Gore rekuranga, achiitira Ziyoni.+

  • Jeremiya 46:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 “Zuva iroro nderaChangamire Ishe, Jehovha wemauto, zuva rekutsiva, rekuti atsive mhandu dzake. Uye bakatwa richadya roguta, uye richaguta neropa ravo, nekuti Changamire Ishe, iye Jehovha wemauto ane chibayiro munyika yekuchamhembe pedyo neRwizi rwaYufratesi.+

  • Zefaniya 1:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  7 Nyararai pamberi paChangamire Ishe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedyo.+

      Jehovha agadzirira chibayiro; atsvenesa vaya vaakakoka.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe