-
Dhanieri 10:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 ndakatarisa ndikaona mumwe murume akanga akapfeka nguo yejira,+ akasunga bhandi regoridhe rekuUfazi muchiuno. 6 Muviri wake wakanga wakaita sedombo rekrisoriti,+ uye chiso chake chakanga chakaita semheni, maziso ake akanga akaita semwenje iri kubvira, maoko ake netsoka dzake zvaiita semhangura yakapenyeswa,+ uye inzwi rake raiita semanzwi evanhu vazhinji.
-