-
Ezekieri 10:9-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona mavhiri mana aiva pedyo nemakerubhi acho, vhiri rimwe chete riri pedyo nekerubhi, uye mavhiri acho aiita seaipenya sedombo rekrisoriti.+ 10 Kana kuri kutaridzika kwawo, ese ari mana akanga akafanana, achiita sekuti ivhiri riri mukati merimwe vhiri. 11 Paaifamba, aikwanisa kuenda chero divi pamativi acho mana asina kumbochinja kwaakatarisa, nekuti aienda kwese kwaitarisa musoro asina kumbochinja kwaakatarisa. 12 Akanga azere nemaziso pamiviri yawo yese, pamisana yawo, pamaoko awo, pamapapiro awo, nepamavhiri acho, mavhiri awo ese ari mana.+ 13 Kana ari mavhiri acho, ndakanzwa inzwi raishevedzera kwaari richiti, “Imi mavhiri!”
-