5 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Iri ndiro Jerusarema. Ndakariisa pakati pemarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika. 6 Asi rapandukira mitongo yangu nemirau yangu, richitoita zvakaipa kupfuura marudzi nenyika dzakaripoteredza,+ nekuti varamba mitongo yangu, uye havana kufamba mumirau yangu.’