28 Nebhukadhinezari akabva ati: “Mwari waShadreki, Misheki, naAbhedhinego ngaarumbidzwe,+ uyo atuma ngirozi yake ikanunura vashumiri vake. Vavimba naye uye varamba kuteerera murayiro wamambo; vazvipira kufa pane kushumira kana kunamata mumwe mwari kunze kwaMwari wavo.+