25 Ndiwo matauriro aanoita mubhuku raHosiya, kuti: “Vaya vasiri vanhu vangu+ ndichavadana kuti ‘vanhu vangu,’ uye mukadzi uya akanga asingadiwi ndichamudana kuti ‘anodiwa’;+ 26 uye munzvimbo yavakambonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’ vachanzi, ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’”+