-
2 Madzimambo 13:10, 11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Mugore rechi37 raMambo Jehoashi weJudha, Jehoashi+ mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 16. 11 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asingaregi zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Akaramba achiita zvivi* izvi.
-