-
1 Samueri 21:1-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Gare gare Dhavhidhi akasvika kuNobhu+ kumupristi Ahimereki. Ahimereki akatanga kudedera paakasangana naDhavhidhi, uye akati kwaari: “Nei uri wega usina mumwe munhu?”+ 2 Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti: “Pane zvandanzi naMambo ndiite, asi ati, ‘Usaita kuti mumwe munhu azive chero chii zvacho pamusoro penyaya yandiri kukutuma uye zvandakurayira.’ Ndarangana nevakomana vangu kuti tisangane pane imwe nzvimbo. 3 Kana muine zvingwa zvishanu, chingondipai, kana kuti ndipei chero chamuinacho.” 4 Asi mupristi wacho akapindura Dhavhidhi achiti: “Handina chingwawo zvacho pano, asi pane chingwa chitsvene,+ chero bedzi vakomana vacho vasina kurara nevakadzi.”*+ 5 Dhavhidhi akapindura mupristi wacho achiti: “Hatina kumborara nevakadzi kungofanana nepamwe pese pandaienda kuhondo.+ Kana miviri yevarume vacho ichimbova mitsvene pavanotumwa zvimwewo zvinhu, nhasi inotova mitsvene kupfuura pamwe pese!” 6 Mupristi wacho akabva amupa chingwa chitsvene,+ nekuti pakanga pasina chimwe chingwa kunze kwechingwa chekuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha. Pazuva rachakabviswa, chingwa chacho chainge chatsiviwa nechimwe chainge chichangobva kubikwa.
-