-
Mako 8:13-21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Akabva avasiya, akakwirazve muchikepe, akayambuka mhiri.
14 Asi vakakanganwa kutakura chingwa uye vakanga vasina chavaiva nacho muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+ 15 Uye akavayambira zviri pachena achiti: “Rambai makangwarira; chenjererai mbiriso yevaFarisi neyaHerodhi.”+ 16 Saka vakatanga kuitisana nharo pamusoro pekuti vakanga vasina chingwa. 17 Paakavanzwa akati kwavari: “Nei muri kuitisana nharo nezvekuti hamuna chingwa? Hamusati mava kubata zvazvinoreva uye kunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichakagomara pakunzwisisa here? 18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’ Hamuyeuki here 19 kuti pandakamedurira varume 5 000 zvingwa zvishanu,+ makaunganidza zvakasara mukazadza tswanda ngani?” Ivo vakati kwaari: “Takazadza 12.”+ 20 “Pandakamedurira varume 4 000 zvingwa zvinomwe, matengu mangani amakazadza nezvakasara?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+ 21 Akabva ati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”
-