RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 16:5-12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Vadzidzi vakabva vayambuka mhiri uye vakakanganwa kutakura chingwa.+ 6 Jesu akati kwavari: “Rambai makangwarira, muchenjerere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+ 7 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Tasiya chingwa.” 8 Achiziva izvi, Jesu akati: “Nei muri kutaura nyaya yekuti hamuna chingwa, imi mune kutenda kudiki? 9 Hamusati manzwisisa here nanhasi, kana kuti makanganwa here zvingwa zvishanu zviya zvakadyiwa nevanhu 5 000, uye kuti makazadza tswanda ngani?+ 10 Kana zvingwa zvinomwe zviya zvakadyiwa nevanhu 4 000 uye kuti makazadza matengu mangani?+ 11 Saka sei musiri kunzwisisa kuti handisi kutaura nemi nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+ 12 Vakabva vanzwisisa kuti akanga asiri kutaura kuti vachenjerere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe