Mateu 6:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 uye tiregerereiwo zvivi* zvedu, sezvatakaregererawo vakatitadzira.+ Mako 11:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Uye pamunomira muchinyengetera, regererai zvinhu zvese zvamakatadzirwa nemunhu, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo kudarika kwenyu.”+ Ruka 17:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Kunyange kana ikakutadzira ka7 pazuva, yodzoka kwauri ka7 ichiti, ‘Ndiregererewo,’ unofanira kuiregerera.”+ VaEfeso 4:32 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 32 Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo,+ muchiregererana nemwoyo wese* sezvakaitwa naMwari paakakuregererai nemwoyo wese achishandisa Kristu.+ VaKorose 3:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese*+ kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.+ Sezvo Jehovha* akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.+
25 Uye pamunomira muchinyengetera, regererai zvinhu zvese zvamakatadzirwa nemunhu, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo kudarika kwenyu.”+
4 Kunyange kana ikakutadzira ka7 pazuva, yodzoka kwauri ka7 ichiti, ‘Ndiregererewo,’ unofanira kuiregerera.”+
32 Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo,+ muchiregererana nemwoyo wese* sezvakaitwa naMwari paakakuregererai nemwoyo wese achishandisa Kristu.+
13 Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese*+ kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.+ Sezvo Jehovha* akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.+