RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 9:35
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 35 Jesu akatanga kushanyira maguta ese nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese.+

  • Mateu 28:19, 20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,+ muchivabhabhatidza+ muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, 20 muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.+ Uye yeukai kuti ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”*+

  • Mako 13:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.+

  • Zvakazarurwa 14:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Zvino ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga,* uye yaiva nemashoko akanaka anogara nekusingaperi ekuzivisa kuvanhu vanogara panyika, kumarudzi ese nemadzinza nendimi* nevanhu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe