-
Ruka 4:1-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Jesu akabva azadzwa nemweya mutsvene, ukamubvisa kuJodhani, ndokumutungamirira uchitenderera naye murenje+ 2 kwemazuva 40 achiedzwa naDhiyabhorosi.+ Uye hapana chaakadya mumazuva iwayo, saka pakapera mazuva acho, akanga ava nenzara. 3 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” 4 Asi Jesu akamupindura kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete.’”+
-