-
Mateu 4:1-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Jesu akabva atungamirirwa nemweya kuenda kurenje, kuti anoedzwa+ naDhiyabhorosi.+ 2 Pashure pekunge atsanya kwemazuva 40 neusiku 40, akanga ava nenzara. 3 Uye Muedzi+ akauya akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave chingwa.” 4 Asi akapindura kuti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.’”*+
5 Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene,+ akamumisa pamusoro perusvingo rwetemberi,*+ 6 akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Acharayira ngirozi dzake pamusoro pako,’ uye, ‘Dzichakutakura mumaoko adzo, kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.’”+ 7 Jesu akati kwaari: “Zvakare zvakanyorwa kuti: ‘Usaedza Jehovha* Mwari wako.’”+
8 Dhiyabhorosi akaendazve naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.+ 9 Uye akati kwaari: “Ndichakupa zvinhu zvese izvi kana ukapfugama wongondinamata kamwe chete.” 10 Jesu akabva ati kwaari: “Ibva, Satani! Nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata,+ uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
-
-
Ruka 4:1-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Jesu akabva azadzwa nemweya mutsvene, ukamubvisa kuJodhani, ndokumutungamirira uchitenderera naye murenje+ 2 kwemazuva 40 achiedzwa naDhiyabhorosi.+ Uye hapana chaakadya mumazuva iwayo, saka pakapera mazuva acho, akanga ava nenzara. 3 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” 4 Asi Jesu akamupindura kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete.’”+
5 Saka akaenda naye pakakwirira ndokumuratidza umambo hwese hwenyika munguva pfupi pfupi.+ 6 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Ndichakupa simba pane hwese uhwu nekubwinya kwahwo, nekuti hwakaiswa mumaoko angu,+ uye ndinohupa wandinenge ndada. 7 Saka ukangondinamata kamwe chete, hwese hunenge hwava hwako.” 8 Jesu akamupindura achiti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
9 Akabva aenda naye kuJerusarema, ndokumumisa pamusoro perusvingo rwetemberi,* akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano,+ 10 nekuti zvakanyorwa kuti, ‘Acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, kuti dzikuchengetedze,’ 11 uye, ‘Dzichakutakura mumaoko adzo, kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.’”+ 12 Jesu akamupindura achiti: “Zvakanzi, ‘Usaedza Jehovha* Mwari wako.’”+ 13 Saka Dhiyabhorosi paakanga apedza kumuedza, akamusiya kusvikira pane imwe nguva yaizomuka mumwe mukana.+
-