-
Mako 1:43-45Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
43 Akamuendesa pashure pekumuudza zvakasimba 44 kuti: “Usatomboudza mumwe munhu nezvazvo, asi enda unozviratidza kumupristi, upe zvinhu zvakarayirwa naMozisi kuti ucheneswe,+ kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 45 Asi aenda, murume wacho akatanga kuzivisa vanhu uye kuparadzira nyaya yacho kwese kwese, zvekuti Jesu akanga asingachakwanisi kupinda muguta asingaonekwi nevanhu, zvekuti akaramba ari kunze, kunzvimbo dzisina vanhu vakawanda. Asi vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kwese kwese.+
-