-
Mateu 15:32-38Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
32 Asi Jesu akashevedza vadzidzi vake, akati: “Ndiri kusiririswa nevanhu ava+ nekuti vatova nemazuva matatu vaineni uye havana chavadya. Handidi kuti vaende nenzara nekuti vangaziya munzira.”+ 33 Asi vadzidzi vakati kwaari: “Chingwa chinokwana vanhu vakawanda kudai tingachiwana kupi munzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu?”+ 34 Jesu akabva ati kwavari: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe, nehove diki shomanana.” 35 Saka pashure pekuudza vanhu kuti vagare pasi, 36 akatora zvingwa zvacho zvinomwe nehove dzacho, akaonga, akazvimedura, akatanga kupa vadzidzi, uye vadzidzi vakazvipa vanhu.+ 37 Vese vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara zvikazadza matengu manomwe.+ 38 Vakadya vaiva varume 4 000, uyewo vakadzi nevana.
-