Mateu 16:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Kubvira ipapo, Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema onotambudzwa nenzira dzakawanda nevakuru, nevatungamiriri vevapristi, nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.+ Mateu 17:22, 23 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Pavakanga vakaungana muGarireya Jesu akati kwavari: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+ 23 vomuuraya, uye pazuva rechitatu achamutswa.”+ Izvi zvakavarwadza zvikuru. Mako 8:31 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kusangana nematambudziko akawanda, orambwa nevakuru nevatungamiriri vevapristi nevanyori, ourayiwa,+ ozomuka pashure pemazuva matatu.+ Ruka 9:44, 45 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 44 “Nyatsoteererai muyeuke mashoko aya, nekuti Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu.”+ 45 Asi havana kunzwisisa zvaaitaura. Zvakanga zvakatovanzwa kwavari kuti vatadze kuzvibata, uye vaitya kumubvunza nezvazvo.
21 Kubvira ipapo, Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema onotambudzwa nenzira dzakawanda nevakuru, nevatungamiriri vevapristi, nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.+
22 Pavakanga vakaungana muGarireya Jesu akati kwavari: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+ 23 vomuuraya, uye pazuva rechitatu achamutswa.”+ Izvi zvakavarwadza zvikuru.
31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kusangana nematambudziko akawanda, orambwa nevakuru nevatungamiriri vevapristi nevanyori, ourayiwa,+ ozomuka pashure pemazuva matatu.+
44 “Nyatsoteererai muyeuke mashoko aya, nekuti Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu.”+ 45 Asi havana kunzwisisa zvaaitaura. Zvakanga zvakatovanzwa kwavari kuti vatadze kuzvibata, uye vaitya kumubvunza nezvazvo.