RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 26:69-75
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 69 Petro akanga agere panze muchivanze, uye mumwe mushandi wechisikana akauya paari akati: “Iwe waivawo naJesu wekuGarireya!”+ 70 Asi iye akaramba pamberi pavo vese, achiti: “Handizivi zvauri kutaura.” 71 Paakaenda kukamba kepagedhi, mumwe musikana akamuziva akati kune vakanga varipo: “Murume uyu akanga aina Jesu wekuNazareta.”+ 72 Akarambazve, akapika achiti: “Handimuzivi murume uyu!” 73 Pashure pekanguva, vakanga vakamira ipapo vakauya vakati kuna Petro: “Chokwadi iwewo uri mumwe wavo, nekuti rurimi rwako chairwo runokubatisa.”* 74 Akabva atanga kutuka nekupika, achiti: “Handimuzivi murume uyu!” Jongwe rakabva rarira pakarepo. 75 Uye Petro akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu, kuti: “Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+ Uye akabuda panze akachema zvinosiririsa.

  • Ruka 22:55-62
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 55 Pavakabatidza moto pakati pechivanze, ndokugara pamwe chete, Petro aivawo pakati pavo.+ 56 Asi mumwe mushandi wechisikana akamuona muchiedza chemoto, akanyatsomutarisa, akati: “Murume uyu aivawo naye.” 57 Asi iye akaramba, akati: “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.” 58 Pasina nguva mumwe munhu akamuona akati: “Newewo uri mumwe wavo.” Asi Petro akati: “Iwe murume iwe, handisi ini.”+ 59 Uye pashure peinenge awa, mumwe murume akaramba achisimbirira achiti: “Chokwadi murume uyu aivawo naye, nekuti iye anotova muGarireya!” 60 Asi Petro akati: “Iwe murume iwe, handizivi zvauri kutaura ini.” Pakarepo, achiri kutaura kudaro, jongwe rakabva rarira. 61 Ishe akabva atendeuka, akatarisa Petro, uye Petro akabva ayeuka mashoko aShe paakati kwaari: “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.”+ 62 Uye akabuda panze, akachema zvinosiririsa.

  • Johani 18:25, 26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Simoni Petro akanga akamira ipapo achidziya moto. Vakabva vati kwaari: “Iwe hausi mumwe wevadzidzi vake here?” Iye akaramba, akati: “Handisi.”+ 26 Mumwe wevaranda vemupristi mukuru, hama yemurume uya wekuchekwa nzeve naPetro,+ akati: “Hausiri iwe here wandaona mumunda uinaye?”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe