-
Mateu 27:39-42Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
39 Uye vanhu vaipfuura vaimunyomba,+ vachidzungudza misoro yavo,+ 40 vachiti: “Ndiweka wekuda kupaza temberi woivaka mumazuva matatu,+ chizviponesa! Kana uri mwanakomana waMwari, buruka padanda rekutambudzirwa!”*+ 41 Vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakatanga kumusekawo vachiti:+ 42 “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo waIsraeri;+ ngaachiburuka padanda rekutambudzirwa,* tobva tatenda maari.
-