61 Mweya waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri,+
Nekuti Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka.+
Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo,
Kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa
Uye nezvekusvinudzwa kwemaziso kuvasungwa,+
2 Kuti ndizivise nezvegore rekufarirwa naJehovha
Nezuva rekutsiva kwaMwari wedu,+
Kuti ndinyaradze vese vanochema,+