1 Madzimambo 17:21, 22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Akabva azvambarara pamusoro pemwana wacho katatu, akashevedzera kuna Jehovha achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndapota, dzosai upenyu hwemwana* uyu maari.” 22 Jehovha akanzwa chikumbiro chaEriya,+ uye upenyu hwemwana wacho hwakadzoka maari, akava mupenyu zvakare.+ Ruka 8:52-54 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 52 Asi vanhu vese vaichema vachizvirova neshungu. Saka akati: “Musachema,+ nekuti haana kufa asi akarara.”+ 53 Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya, nekuti vaiziva kuti akanga afa. 54 Asi iye akamubata ruoko akamushevedza achiti: “Mwanangu, muka!”+ Johani 11:43 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 43 Paakanga ataura izvi, akashevedzera nenzwi guru achiti: “Razaro, buda!”+ Mabasa 9:40 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 40 Petro akabva abudisa vanhu vese panze,+ uye akapfugama, ndokunyengetera. Akabva atendeukira kuchitunha chacho, akati: “Tabhita, muka!” Iye akavhura maziso ake, uye paakaona Petro, akamuka ndokugara.+
21 Akabva azvambarara pamusoro pemwana wacho katatu, akashevedzera kuna Jehovha achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndapota, dzosai upenyu hwemwana* uyu maari.” 22 Jehovha akanzwa chikumbiro chaEriya,+ uye upenyu hwemwana wacho hwakadzoka maari, akava mupenyu zvakare.+
52 Asi vanhu vese vaichema vachizvirova neshungu. Saka akati: “Musachema,+ nekuti haana kufa asi akarara.”+ 53 Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya, nekuti vaiziva kuti akanga afa. 54 Asi iye akamubata ruoko akamushevedza achiti: “Mwanangu, muka!”+
40 Petro akabva abudisa vanhu vese panze,+ uye akapfugama, ndokunyengetera. Akabva atendeukira kuchitunha chacho, akati: “Tabhita, muka!” Iye akavhura maziso ake, uye paakaona Petro, akamuka ndokugara.+