-
Mateu 11:7-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Ava pavakanga vachienda, Jesu akatanga kubvunza vanhu nezvaJohani achiti: “Pamakabuda muchienda kurenje maienda kunoonei?+ Tsanga yaizununguswa nemhepo here?+ 8 Saka makaenda kunoonei? Munhu akapfeka zvipfeko zvakapfavirira* here? Nekuti vaya vanopfeka zvipfeko zvakapfavirira vari mudzimba dzemadzimambo. 9 Saka makaenda kunoiteiko? Kunoona muprofita here? Chokwadi, ndinokuudzai, anotopfuura muprofita.+ 10 Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti: ‘Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu ichafanokugadzirira nzira pamberi pako!’+ 11 Chokwadi ndinoti kwamuri, pavanhu vese vakararama* hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwekudenga mukuru kwaari.+
-