-
Mateu 9:20-22Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Uye mumwe mukadzi akanga achitambura nekubuda ropa kwemakore 12+ akauya nechekumashure kwake, akabata masa* enguo yake yekunze,+ 21 nekuti aingoti nechemumwoyo: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze, ndichapora.” 22 Jesu akatendeuka, uye achimuona, akati: “Shinga, mwanasikana! Kutenda kwako kwakuporesa.”+ Kubvira panguva iyoyo mukadzi wacho akaporeswa.+
-
-
Mako 5:25-29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 Paiva nemukadzi akanga ava nemakore 12+ achibuda ropa.+ 26 Akanga arwadziswa zvikuru navanachiremba vakawanda uye akanga apedza pfuma yake yese, pasina zvazvakabatsira, zvichitowedzera. 27 Paakanzwa zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechekumashure kwevanhu, akabata nguo yake yekunze,+ 28 nekuti aingoti: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze chete, ndichapora.”+ 29 Pakarepo ropa rake raibuda rakabva rangooma, akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa chirwere chinotambudza.
-