46 Uye Mariya akati: “Mweya wangu unokudza Jehovha,+ 47 uye mwoyo wangu haungaregi kufarira kwazvo Mwari Muponesi wangu,+ 48 nekuti aona chinzvimbo chakaderera chemurandasikana wake.+ Chokwadi kubvira iye zvino zvizvarwa zvese zvichati ndakakomborerwa,+