-
Mateu 23:29-31Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
29 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti munovaka makuva evaprofita uye munoshongedza makuva evakarurama,+ 30 uye munoti, ‘Kudai takanga takararama mumazuva emadzitateguru edu, tingadai tisina kubatana navo pakudeura ropa revaprofita.’ 31 Saka muri kuzvipupurira kuti muri vanakomana vevaya vakaponda vaprofita.+
-