Mateu 19:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Jesu akati kwariri: “Kana uchida kuva akakwana, enda unotengesa zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma kudenga;+ uye uya uve muteveri wangu.”+ Ruka 18:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Jesu paakanzwa izvi akati kwaari, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Tengesa zvinhu zvese zvauinazvo wopa varombo mari yacho, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ Mabasa 2:45 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 45 uye vaitengesa zvinhu zvavo+ nepfuma vachigovana nevamwe vese mari yacho, maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe nemumwe.+ Mabasa 4:34, 35 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 34 Pakati pavo pakanga pasina aishayiwa,+ nekuti vese vaiva neminda kana dzimba vaizvitengesa vouya nemari yavainge vawana, 35 voipa vaapostora.+ Mari yacho yaizogoverwa mumwe nemumwe zvichienderana nezvaainge achishayiwa.+
21 Jesu akati kwariri: “Kana uchida kuva akakwana, enda unotengesa zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma kudenga;+ uye uya uve muteveri wangu.”+
22 Jesu paakanzwa izvi akati kwaari, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Tengesa zvinhu zvese zvauinazvo wopa varombo mari yacho, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+
45 uye vaitengesa zvinhu zvavo+ nepfuma vachigovana nevamwe vese mari yacho, maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe nemumwe.+
34 Pakati pavo pakanga pasina aishayiwa,+ nekuti vese vaiva neminda kana dzimba vaizvitengesa vouya nemari yavainge vawana, 35 voipa vaapostora.+ Mari yacho yaizogoverwa mumwe nemumwe zvichienderana nezvaainge achishayiwa.+