RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 26:14-16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Judhasi Iskariyoti,+ akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi,+ 15 akati: “Ndikamutengesa kwamuri munondipei?”+ Ivo vakati vaizomupa masirivha 30.+ 16 Saka kubvira ipapo akatanga kutsvaga mukana wakanaka wekumutengesa.

  • Mako 14:10, 11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Judhasi Iskariyoti, mumwe wevane Gumi Nevaviri, akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi kunomutengesa kwavari.+ 11 Pavakazvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari yesirivha.+ Saka akatanga kutsvaga mukana wekumutengesa.

  • Johani 6:70
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 70 Jesu akavapindura kuti: “Handiti ndakakusarudzai imi vane gumi nevaviri?+ Asi mumwe wenyu ndidhiyabhorosi.”*+

  • Johani 13:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Pavaidya zvekudya zvemanheru, Dhiyabhorosi akanga atoisa pfungwa yekumutengesa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni.+

  • Johani 13:27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Judhasi paakanga atora chingwa chacho, Satani akabva apinda maari.+ Saka Jesu akati kwaari: “Kurumidza kuita zvauri kuita.”

  • Mabasa 1:16, 17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 “Varume, hama, zvakanga zvakakodzera kuti rugwaro ruzadziswe rwakataurwa nemweya mutsvene uchiita kuti Dhavhidhi aprofite pamusoro paJudhasi,+ uyo akatungamirira vanhu vakasunga Jesu.+ 17 Nekuti akanga averengerwa pakati pedu+ uye akawana mugove muushumiri uhwu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe