-
Mateu 14:24-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Pari zvino chikepe chakanga chava kure nenyika, nemazana mazhinji emamita,* chichitadziswa kufamba zvakanaka nemasaisai nekuti mhepo yaibva nechekwavakanga vakananga. 25 Asi panguva yechina yekurinda kweusiku,* akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. 26 Pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vadzidzi vakanetseka, vachiti: “Haasi munhu chaiye uyu!” Uye vakaridza mhere nekutya. 27 Asi Jesu akabva ataura navo achiti: “Musavhunduka henyu! Ndini; musatya.”+ 28 Petro akamupindura kuti: “Ishe, kana muri imi, itai kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.” 29 Iye akati: “Uya!” Saka Petro akaburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura achienda kwaiva naJesu. 30 Asi paakatarisa dutu, akatanga kutya. Uye paakatanga kunyura, akashevedzera achiti: “Ishe, ndiponeseiwo!” 31 Jesu akabva angotambanudza ruoko rwake akamubata, ndokuti kwaari: “Iwe une kutenda kudiki, nei usina kuva nechokwadi?”+ 32 Pavakanga vakwira muchikepe, dutu rakadzikama. 33 Vaya vakanga vari muchikepe vakabva vamupfugamira, vachiti: “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
-