Isaya 9:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Nekuti taberekerwa mwana,+Tapiwa mwanakomana;Uye utongi huchava* papfudzi rake.+ Zita rake richanzi Chipangamazano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi, Muchinda weRugare. Johani 1:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Hapana munhu akambobvira aona Mwari;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari parutivi paBaba*+ ndiye akamutsanangura.+ VaFiripi 2:5, 6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu,+ 6 uyo, kunyange zvazvo aiva mumufananidzo waMwari,+ haana kutombobvira ava nepfungwa yekuda kuzviona seakaenzana naMwari.+
6 Nekuti taberekerwa mwana,+Tapiwa mwanakomana;Uye utongi huchava* papfudzi rake.+ Zita rake richanzi Chipangamazano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi, Muchinda weRugare.
18 Hapana munhu akambobvira aona Mwari;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari parutivi paBaba*+ ndiye akamutsanangura.+
5 Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu,+ 6 uyo, kunyange zvazvo aiva mumufananidzo waMwari,+ haana kutombobvira ava nepfungwa yekuda kuzviona seakaenzana naMwari.+