Johani 9:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Vabereki vake vakataura zvinhu izvi nekuti vaitya vaJudha,+ nekuti vaJudha vakanga vatobvumirana kuti munhu wese anoti uyu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.+ Johani 12:42 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 42 Kunyange zvakadaro, vatongi vakawanda vakatenda maari,+ asi nemhaka yevaFarisi, vakanga vasingadi kubuda pachena vachitya kudzingwa musinagogi;+ Johani 19:38 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 38 Pashure pezvinhu izvi, Josefa wekuArimatiya, uyo akanga ari mudzidzi waJesu asi ari wepachivande nekuti aitya vaJudha,+ akakumbira Pirato kuti atore chitunha chaJesu, uye Pirato akamupa mvumo. Saka akauya akatora chitunha chacho.+
22 Vabereki vake vakataura zvinhu izvi nekuti vaitya vaJudha,+ nekuti vaJudha vakanga vatobvumirana kuti munhu wese anoti uyu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.+
42 Kunyange zvakadaro, vatongi vakawanda vakatenda maari,+ asi nemhaka yevaFarisi, vakanga vasingadi kubuda pachena vachitya kudzingwa musinagogi;+
38 Pashure pezvinhu izvi, Josefa wekuArimatiya, uyo akanga ari mudzidzi waJesu asi ari wepachivande nekuti aitya vaJudha,+ akakumbira Pirato kuti atore chitunha chaJesu, uye Pirato akamupa mvumo. Saka akauya akatora chitunha chacho.+