-
Mateu 26:6-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Jesu paaiva kuBhetani mumba maSimoni wemaperembudzi,+ 7 mumwe mukadzi akanga aine chinu chearabhasta* chaiva nemafuta anonhuhwirira, anodhura kwazvo, akasvika paari, akatanga kuadira mumusoro make paakanga achidya. 8 Vadzidzi vachiona izvi vakatsamwa, vakati: “Ko mafuta aya ari kutambisirweiko? 9 Nekuti angadai atengeswa nemari yakawanda yopiwa varombo.” 10 Achiziva izvi, Jesu akati kwavari: “Muri kuda kunetsereiko mukadzi uyu? Andiitira zvakanaka.
-
-
Mako 14:3-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Paaiva kuBhetani achidya mumba maSimoni wemaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chearabhasta* chaiva nemafuta enadhi chaiyo, anonhuhwirira, anodhura zvikuru. Akavhura chinu chacho akatanga kuadira mumusoro maJesu.+ 4 Vamwe vavo vakatsamwa nazvo vakatanga kutaurirana vachiti: “Ko mafuta aya anonhuhwirira ari kutambisirweiko? 5 Nekuti mafuta aya anonhuhwirira angadai atengeswa nemari inopfuura madhinari* 300 yopiwa varombo!” Vakamugumbukira chaizvo.* 6 Asi Jesu akati: “Siyanai naye. Muri kuda kumunetserei? Andiitira zvakanaka.+
-