20 Rambai muchifunga nezveshoko randakakuudzai rekuti: Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo;+ kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21 Asi vachakuitirai zvese izvi nekuda kwezita rangu, nekuti havazivi akandituma.+